O Level Revision : Shona- Rondedzero - Rondedzero yenyaya

Rondedzero yenyaya ndiyo imwe yemisoro yerondedzero, isingawanzoshaikwa pabvunzo. Musoro uyu, seimwe, unoda kungotevedza zvinodikwa kuti uwane zvibodzwa zvakawanda. 0ngorora nekupenengura musoro werondedzero kuti ugonyora tsuro ndisunge yenyaya.

O Level Revision : Shona- Rondedzero -  Rondedzero yenyaya

Manyorerwo erondedzero yenyaya

  • Chekutanga, sedzimwe rondedzero, kungonyora nhanganyaya. Nhanganyaya iyi inofanirwa kurukwa zvakanaka zvinokwezva mukwenyi.
  • Wapedza nhanganyaya,  kunotevera  mutumbi  werondedzero  unova  ndiwo  unorondedzera  nyaya  yacho kuti yakafamba sei. Kana rwuri rwendo rwunofanira kunge rwakarongeka kubva parwunotangira kusvika kwarwunogumira.
  • Chikamu chekupedzisira ndechekupeta nyaya yose yawataura.
  • Shandisawo zvirungamutauro murondedzero iyi pazvinokodzera.

Muenzaniso wemubvunzo

Nyora rondedzero inopera nemazwi okuti, “Kubvira zuva iri ndakapfidza kuzofamba usiku zvekare.”

Zvinotarisirwa mumhinduro

Rondedzero yacho inofanira kuita mapeji matatu, munyori anogona kuzoenderera mberi achinyora pamwe zvetsaona zvaiva zvaitika kumashure.

  • Anogonawo kubudisa kupona nepaburi retsono kwaakaita zvichibudisa kushata kwekufamba husiku.
  • Parondedzero yakadai mashoko acho ari pamubvunzo anofanira kuzopedzisa sezvaari pamubvunzo.

Zvinhu zvinoda kungwarirwa

  • kunyora nyaya isingapindirani nemusoro, werondedzero
  • kunyora pfungwa dzisina kurongeka zvekuti chero anokwenya anotadza kunzwisisa nyaya yako kuti inoenda nepi
  • kusanyora mazwi awanzi utange nawo kana kupedzisira nawo
  • kunyora  nyaya  dzakaitika  mbiri  murondedzero  imwe  chete.  Izvi  zvinokonzera  kurasikirwa  namamakisi akawanda
  • kunyora nyaya yawakamboverenga mune rimwe bhuku kana zvimwe zvinyorwa.

Yambiro

  • Tanga wanzwisisa zvinodikwa nemusoro, wonyora nyaya yaunoda inopindirana nemusoro wapihwa.
  • Unofanira  kuzvifungira    nyaya    yako    kwete    kunyora zvawakamboverenga.
  • Nyaya yacho inofanira kuva nepfungwa dzakarongeka.

What's Your Reaction?

like

dislike

love

funny

angry

sad

wow