O Level Revision : Shona- Rondedzero yenhaurirano: Rondedzero yeHurukuro

Rondedzero yemhando iyi ndeyekunyora pamusoro pevanhu vanenge vachitaurirana.

O Level Revision : Shona-  Rondedzero yenhaurirano: Rondedzero yeHurukuro

Manyorerwo erondedzero yenhaurirano / hurukuro

  • Rondedzero iyi inofanira kunge ine ndima yenhanganyaya inova ndiyo inojekesa nyaya iri kutaurwa nezvayo.
  • Panozotevera vatambi vacho nemazita avo anopihwa nemunyori vachitotanga kutaurirana.
  • Vanogona kutanga nenyaya dzavo dzimwe asi dzinobva dzakasira kutipinza munyaya yacho iri pamubvunzo.
  • Pakutaurirana kwavo ndipo panobuda kuti mumwe akarerekera kudivi ripi mumwe ripi.
  • Munyori webvunzo anokurudzirwa kuongorora mativi ose emubvunzo sekubudiswa kwepfungwa kunenge kuchiitwa nevatambi vacho vachikakavadzana.
  • Munyori anogona kupota achiisa mazwi ake ayo anokomberedzwa sokuti (vanoseka vachirovana maoko). Izvi zvinotaridza kuti aya haasi mazwi anotaurwa nevatambi.

Zvinhu zvinoda kungwarirwa pakunyora rondedzero yenhaurirano / hurukuro

  • kupedza nguva yakareba vatambi vachitaurirana zvisina basa vasingapindi munyaya yavo
  • kusabudisa pfungwa dzinopindura mubvunzo. Panotaurirana vanhu vacho hazvijeki kuti anotsigira kana kupikisa musoro ari kuti kudii.
  • kusakomberedza mazwi ake iye munyori paanenge achitsanangura maitiro evatauri
  • kuresva kunyatsobudisa mamiriro enhaurirano chaiwo, sekunyora mazwi achienda nepasi pezita remutambi
  • kunyora pfungwa dzedivi rimwe mumwe achingotaura pasina pfungwa dzinobuda
  • kupinza munhu wetatu ipo pakanzi vaviri
  • kusanganisa mhando mbiri dzekunyora rondedzero yehurukuro yakaita semutambo yaratidzwa pamusoro neyekuisa mazwi mukati menyora dzekuvhura nekuvhara

Yambiro

  • Tanga nenhanganyaya inova mashoko ako uchibudisa kuti vanhu vacho vanotaura pamusoro pei nenzira inokwezva mukwenyi.
  • Pfungwa dzacho ngadzive dzinojeka.
  • Shandisa ChiShona chizere.
  • Usapedza nguva  uchinyora  zvisina  basa,  asi  kutopinda munyaya yacho inodikwa nemubvunzo.

What's Your Reaction?

like

dislike

love

funny

angry

sad

wow