O Level Revision : Shona - Zvidudziramazita - Chirevauwandu
Chinoratidza kuwanda kwezvinhu. Saka chirevauwandu chinoita basa rekubudisa ushoma kana uzhinji hwezvinhu chisingape namba.
Chirevauwandu
Chinoratidza kuwanda kwezvinhu. Chine madzitsi matatu chete anoti: /-se/; /-ga/; /-mene/
/-se/ inoreva kuti hapana chinosara, sokuti: Sadza rose radyiwa.
/-ga/ chinhu chimwe chete, sokuti: Ndiye oga adya.
/-mene/ kuzvimirira pachezvake sokuti: Ini ndomene ndinoramba.
Maumbirwo echirevauwandu
|
|
Chivakashure chechirevauwandu |
+ |
nzvovera inoshanduka -o- |
+ |
dzitsi rechirevauwandu |
|
roga |
r- |
+ |
-o- |
+ |
-ga |
|
pese |
p- |
+ |
-e- |
+ |
-se |
|
oga |
Ø |
+ |
-o- |
+ |
-ga |
Cherechedzo: Zvirevauwandu zvinogona kudzokororwa senzira yekupa komekedzo. Sokuti: Zvose zvose zvauniota zvinoropafadzwa.
Wauya wega wega?
What's Your Reaction?