O Level Revision : Shona - Zvidudziramazita - Chisarudzi/Chinan’anuri
Chinan’anuri kana kuti Chisarudzi Chinobatsira pakusarudza zvinhu kubva pane zvimwe. Patichaita mienzaniso netsananguro dzinotevera tichanzwisisa zvizere.
Chisarudzi/Chinan’anuri
Chinobatsira pakusarudza zvinhu kubva pane zvimwe. Chine madzitsi matatu chete anoti; /-no/; /-ye/-ya/; /-pi/
-no Inoreva kuti zviri pedyo nomutauri. Sokuti: Sadza rino rine mapundu.
-ye/-ya Kureva kuti zvinenge zvichitaurwa zviri kuzivikanwa nevari kutaurirana. Sokuti:
Mwana uya akazofa.
Mombe iye ndakazoitengesa.
-pi Kazhinji mibvunzo. Sokuti: Wamuona kupi?
Vakafira kupi ?
Aendepi?
-pi Inoshandawo pasina mubvunzo. Sokuti: Handizivi kuti aonekwa kupi.
Ndashaya kuti ndotora zvipi.
Maumbirwo echisarudzi
|
|
Chivakashure chechisarudzi |
+ |
dzitsi rechisarudzi |
|
kupi |
ku- |
+ |
-pi |
|
uno |
u- |
+ |
-no |
|
zviya |
zvi- |
+ |
-ya |
What's Your Reaction?