O Level Revision : Shona - Zvidudziramazita- Chiratidzi / Chinongedzi
Chiratidzi igama kana kuti izvi rinotendeka pane chiri kutaurwa nezvacho. Tine zviratidzo zvekuri, uyezve tine zviratidzi zvepedyo.
Chiratidzi/Chinongedzi
Chinotendeka pane chiri kutaurwa nezvacho. Sokuti: Chingwa ichi.
Mari iyi.
Mhando dzezviratidzi
Zviratidzi zvepedyo
(i) Zvinoratidza kana kunongedza chinhu chiri pedyo nomutauri, chinooneka. Sokuti:
Mwana uyu. Badza iri. Sekuru ava.
(ii) Chinoratidza chinhu chinozivikanwa nezvacho nemutauri newaari kutaura naye asi chisingaonekwi. Sokuti: Nyaya iyi.
Musi uyu.
Maumbirwo ezviratidzi zvepedyo
|
|
Nzvovera yokutsigisa (chitsigisi) |
+ |
chiratidzabato |
|
uyu |
u- |
+ |
-yu |
|
ichi |
i- |
+ |
-chi |
Zviratidzi zvekure
(i) Zvinonongedzera zvinhu zviri kure nemutauri pamwe nomuteereri. Sokuti: Chisikana icho chakachena.
Manhanga ayo akanyatsoibva.
Pamba apo hapana vanhu.
(ii) Zvinoratidza chinhu chinozivikanwa nezvacho asi chisingaonekwi. Sokuti: Nzara yegore iro haitaurwi.
Nyaya iyo yakaoma.
Maumbirwo ezviratidzi zvekure
|
|
Nzvovera yokutsigisa (chitsigisi) |
+ |
chiratidzabato |
+ |
nzvovera -o |
|
apo |
a- |
+ |
-p- |
+ |
-o |
|
icho |
i- |
+ |
-ch- |
+ |
-o |
Cherechedzo: Chiratidzi chinoda kufanana maumbirwo acho nechisazitasingwi, asi chisazitasingwi chine nzvovera yokutsigisa /i-/ chete, chiratidzi chine nzvovera /a-/; /i-/ kana /u-/ pakutsigisa.
What's Your Reaction?