O Level Revision : Shona - Zvidudziramazita - Chirevamwene
Chidudzirazita chinoratidza muridzi (mwene) wechinhu chirikutaurwa nezvacho. Chirewamwene chinowanzowirirana nezita rachirikududzira sokuti: chikoro chedu
Chirevamwene
Chinotaridza zvinotevera:
|
(i) |
Muridzi wechinhu. Sokuti: Munda wababa. Matemo asekuru. Mari yamai. |
(ii) |
Basa rechinhu. Sokuti: Mari yechikoro. Makapu esvutugadzike. Mugomo wemvura. |
|
(iii) |
Zvakagadzirisa chinhu. Sokuti: Ndiro dzebhonzo. Hari yevhu. |
(iv) |
Nzvimbo yechinhu. Sokuti: Munhu wekwaMurezi. Bhazi reHarare. |
|
(v) |
Unhu kana tsika. Sokuti: Musikana wemakaro. Kakomana kemakuhwa. |
(vi) |
Chinoratidza mhando yechinhu. Sokuti: Doro rendari. Sadza remapfunde. |
|
(vii) |
Nguva inoitika kana inowanikwa chinhu. Sokuti: Muriwo wemanheru. Mabasa emuzhizha. |
(vii) |
Munochengeterwa zvinhu. Sokuti: Gaba redovi. Dura rezviyo. |
Maumbirwo echirevamwene
|
Chiwedzerwa chechirevamwene |
+ |
nzvovera inoshanduka -a- |
+ |
dzitsi rechirevamwene |
|
w- |
+ |
-a- |
+ |
-ke |
|
p- |
+ |
-e- |
+ |
-nyu |
Nzvovera /-a-/ inoshanduka kuva /-e-/ kana /-o-/. Sokuti: mumba medu. mwoyo wokurera
What's Your Reaction?