O Level Revision : Shona - Mazita nezvisazitasingwi
Chidzidzo chino chakanangana nekuti vari kuda kunyorabvunzo dze o level shona vagone kudoma mazita; kuratidza maumbirwo emazita; kuisa mazita mumipanda; kudoma zvisazitasingwi; kuratidza maumbirwo ezvisazitasingwi nekugona kuratidza ukama huri pakati pezita nechisazitasingwi.
Mazita
Zita izwi rinoshandiswa kudaidza, kudoma kana kutaura chinhu kana zvinhu. Kungave kudoma vanhu, nzvimbo nemidziyo yatinoshandisa nezvimwewo. Sokuti:
|
• munhu |
• Chipo |
• ruoko |
• muriwo |
|
• badza |
• Zimbabwe |
• Harare |
|
Mazita anoita kuti zvireruke kutaura pamusoro pezvakasiyana-siyana muupenyu.
Zvakakosha zvinobvunzwa pachipandi ichi:
- tsananguro yemazita nekuanyurura muzvinyorwa;
- kuisa mazita mumipanda;
- kuzivawo zvinoreva uye zvakamiririrwa nemipanda yakasiyana-siyana;
- kutaridza mavakirwe emazita; kudoma zvivakashure nemadzitsi pamazita anenge apiwa.
Maumbirwo emazita
Mazita anoumbwa seizvi: Chivakashure chezita + Dzitsi rezita Sokuti:
mu- + -nhu
mu- + -riwo
Ø- + -baba
(ri-) + -panga
Cherechedzo: Zvivakashure zviviri zvinogona kubatanidzwa padzitsi rimwe chete kuumba zita, sokuti:
tu-va-nhu ka-mu-nhu pa-mu-rume pa-ru-ware mu-mi-sha
Chivakashure chezita
Ichi ndicho chiumbazwi chokutanga pazita. Chinoshandiswa pakuisa kana kuronga mazita mumipanda yawo. Chipenga ichi chinotakura pfungwa dzakasiyana-siyana. Chinogona kupa pfungwa yeushoma, uzhinji, mhumhu nezvimwewo.
Mhando dzezvivakashure
(i) Chivakashure chedanho rekutanga
Chinoshanda nguva nenguva kuburitsa maonekerwo anoitwa chinhu pasina kutsanangura, sokuti:
mu- + -kadzi mw- + -ana mu- + -rume
(ii) Chivakashure chedanho rechipiri/ Chivakashure chinotsanangura
Ichi chinopa dzimwe pfungwa pamusoro pezita, sokuti:
ka- + -mwana ru- + -mbwa zi- + -rume chi- + -kadzi chi- + -sikana
Mukutaura kwamazuva ose tinoziva kuti kune mwana kwete kamwana, murume kwete zirume, saka kana zvadai zvava kureva kuti pane zvimwe zvatinofanira kuongorora pamwana kana pamurume uyu zviri kuda kuburitswa nematauriro akadai. Zvivakashure izvi zvinogona kupa pfungwa yokushora kana kurumbidza chinhu kana munhu pachimiro chake.
Dzitsi rezita
Dzitsi chivakiso chinoratidza zvinoreva zita racho. Dzitsi musimboti wezita, harishanduki kunyange rikabatanidzwa nezvivakashure zvakasiyana, sokuti:
mu- + -sikana va- + -sikana tu- + -sikana chi- + -sikana chi- + -rume svi- + -rume
Cherechedzo: Nokuda kwokuti dzitsi harishanduki, madzitsi emazita emupanda 5 anofanira kutaridzwa ari sezvaari kune mimwe mipanda mizhinji, sokuti:
(ri-) + - panga kwete (ri-) + -banga
Kune mimwe mipanda tinoona kuti dzitsi iri harishanduki, sokuti:
ma- + -panga (6) svi- + -panga (19) chi- + -panga (7)
Mipanda yemazita
Mazita anogona kurongwa achipinda mumapoka anonzi mipanda yamazita.
Mupanda 1
Chivakashure/mu-/
Unoshanda nechivakashure /mu-/ chichireva munhu mumwe chete, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mukomana |
mu- |
+ |
-komana |
|
munhu |
mu- |
+ |
-nhu |
|
mukadzi |
mu- |
+ |
-kadzi |
Chivakashure /mu-/chinogona kubatana nemadzitsi anotaura basa romunhu, sokuti;
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
murapi |
mu- |
+ |
-rapi |
|
mudzidzisi |
mu- |
+ |
-dzidzisi |
Chivakashure /mu-/ chinogona kuva /mw-/pamazita ane madzitsi anotanga nenzvovera. Chinonzi nzvovera
mavara anoti a, e, i, o na u, somuenzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mwana |
mw- |
+ |
-ana |
|
mweni |
mw- |
+ |
-eni |
Mupanda 2
Chivakashure /va-/
Mupanda wavanhu muuzhinji.
Apa ndipo paya panoshanda sungano youshoma nouwandu. Mazita omupanda 1 akaiswa muuzhinji anopinda
|
mumupanda 2, somuenzaniso: |
Mupanda 1 |
Mupanda 2 |
||
|
|
mukomana |
vakomana |
||
|
|
murairidzi |
varairidzi |
||
|
Mazita emupanda 2 anoumbwa sezvinotevera: |
||||
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
|
vakadzi |
va- |
+ |
-kadzi |
|
|
varapi |
va- |
+ |
-rapi |
|
|
varume |
va- |
+ |
-rume |
|
Chivakashure /va-/ chinogona kuonekwa sa /v-/ kana chashandiswa nezita rine dzitsi rinotanga nenzvovera.
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
vana |
v- |
+ |
-ana |
Cherechedzo: KuChiManyika chivakashure /va-/ chinogona kuonekwa sa /a-/. Sokuti:
asikana akomana
Mupanda 1a
Mupanda uyu hauna chivakashure chinoonekwa, nokudaro unomirirwa na/Ø-/.
Mazita aya anenge ari muushoma. Mupanda uyu unopinda mazita akasiyana-siyana, anoti:
(a) Mazita chaiwo anodaidzwa nawo vanhu. Mazita aya anoonekwa nekutanga nevara guru, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
Chipo |
Ø- |
+ |
-Chipo |
|
Tendai |
Ø- |
+ |
-Tendai |
|
Tongai |
Ø- |
+ |
-Tongai |
(b) Mazita oukama, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
sekuru |
Ø- |
+ |
-sekuru |
|
baba |
Ø- |
+ |
-baba |
|
tete |
Ø- |
+ |
-tete |
Cherechedzo: Humwe hukama hunotanga na/mu-/ hunopinda mumupanda 1, sokuti:
muzukuru
muramu
(c) Mazita akakweretwa kubva kune mimwe mitauro achitaura basa romunhu, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
ticha (teacher) |
Ø- |
+ |
-ticha |
|
kochi (coach) |
Ø- |
+ |
- kochi |
|
refuri (referee) |
Ø- |
+ |
-refuri |
(d) Mazita asinganyatsotendeki kana kutaura munhu kana chinhu, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
nhingi |
Ø- |
+ |
- nhingi |
|
yekera |
Ø- |
+ |
-yekera |
|
yonini |
Ø- |
+ |
-yonini |
(e) Mazita anotaura nguva, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
nhasi |
Ø- |
+ |
-nhasi |
|
zuro |
Ø- |
+ |
-zuro |
Mupanda 2a
|
Uyu mupanda weremekedzo. Chivakashure /va-/. semienzaniso:
Cherechedzo: Chivakashure chemupanda uyu chinogona kuonekwa sa /a-/ kuChiManyika. Mienzaniso: atezvara, asekuru, atete.
Mupanda 2b
Unopinda mazita anoti amai naambuya nemazitaumbiridzwa anenge aine mazita maviri iwaya sechikamu. Chivakashure /a-/, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
amai |
a- |
+ |
-mai |
|
ambuya |
a- |
+ |
-mbuya |
|
ambuyawasha |
a- |
+ |
-mbuyawasha |
Mupanda 3
Chivakashure/mu-/
Mupanda 3 unowanikwa mazita ezvinu zvakasiyana-siyana muChiShona. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
muti |
mu- |
+ |
-ti |
|
muromo |
mu- |
+ |
-romo |
|
mupinyi |
mu- |
+ |
-pinyi |
Chivakashure /mu-/ chinoonekwa sa /mw-/ pamadzitsi anotanga nenzvovera. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mweya |
mw- |
+ |
-eya |
|
mwenga |
mw- |
+ |
-enga |
|
mwedzi |
mw- |
+ |
-edzi |
|
mwaka |
mw- |
+ |
-aka |
Chivakashure /mu-/ chinova /m-/ pamadzitsi anoti /-oto/ na /-oyo/. Sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
moto |
m- |
+ |
-oto |
|
moyo |
m- |
+ |
-oyo |
Mupanda 4
Chivakashure /mi-/
Mazita ari mumupanda uyu uzhinji hwemazita emupanda 3. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
miti |
mi- |
+ |
-ti |
|
miromo |
mi- |
+ |
-romo |
|
mipinyi |
mi- |
+ |
-pinyi |
Mamwe mazita anoramba ane zvivakashure zvaanga anazvo kumupanda 3. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mwedzi |
mw- |
+ |
-edzi |
|
mweya |
mw- |
+ |
-eya |
|
moto |
m- |
+ |
-oto |
Mupanda 5
Chivakashure ndi/(ri-)/ Mupanda 5 unosanganisira:
(i) mazita emhuka dzakaita segudo, gunguwo, datya nedzimwewo.
(ii) mazita anotaridza zvinhu zvine mumhu mukuru kana zvakaunganidzwa, sokuti, rume, svinga, gadzi, gomana dzikana.
(iii) zvinowanikwa mumuviri wemunhu zvinoyerera seropa, dzihwa neziya.
Chivakashure ichi hachisi pachena sezvakaita zvimwe zvivakashure zvemimwe mipanda, nokudaro chinoiswa muzvikomberedzo (ri-). Chinobuda pasungawirirano, sokuti; demo rangu ratyoka. Madzitsi emazita omupanda
5 anotorwa kubva muuwandu hwamazita aya kureva kuti zita romupanda 5 rinotanga raiswa muuzhinji hwaro tozotsvaka dzitsi racho kubva mumupanda 6, nzvanyira yedzitsi iri inoshanduka pakunyora dzitsi. Sokuti:
|
Zita |
Chivakashure |
Dzitsi |
|
danga |
(ri-) |
-tanga |
|
danda |
(ri-) |
-tanda |
|
gumbo |
(ri-) |
-kumbo |
|
gasho |
(ri-) |
-kasho |
|
badza |
(ri-) |
-padza |
|
ziso |
(ri-) |
-iso |
|
jira |
(ri-) |
-chira |
|
zana |
(ri-) |
-ana |
|
zano |
(ri-) |
-ano |
|
zino |
(ri-) |
-ino |
Zvinoda kuti mazita acho atange apinda mumupanda 6 kuti tione kuti anoshanduka sei. Sezvo tichiti dzitsi harishanduki, ndizvo zvatinotevedzera kutora dzitsi rinoshanda nemimwe mipanda, sokuti:
matanga chitanga katanga tutanga
Pane kudyanana kwamavara kunoita kuti mavara ashanduke. Mavara anodaidzwa zvine mutinhimira, anoita akareruka pamutinhimira seizvi:
/d/ inoita /t/ (damba (ri-) + -tamba) /g/ inova /k/ (gomba (ri-) + -kamba)
/b/ inoita /p/ (bango (ri-) + -pango) /j/ inoita /ch/ (jira (ri-) + -chira
Cherechedzo: Chivakashure (ri-) kana chashanda namadzitsi anoreva vanhu chinenge chava mudanho repiri chichitsanangura, chichipa pfungwa youkuru, kutyisa, kuipa, kushoreka nezvimwe. Semienzaniso: gomana gadzi rume
Mupanda 6
Chivakashure /ma-/
Ndiwo mupanda unowanikwa mazita emupanda 5 kana ava muuzhinji, sokuti:
|
Zita mapadza |
Chivakashure chezita ma- |
+ |
Dzitsi rezita -padza |
|
makudo |
ma- |
+ |
-kudo |
|
mapere |
ma- |
+ |
-pere |
|
marimi |
ma- |
+ |
-rimi |
|
meso |
ma- |
+ |
-iso |
|
meno |
ma- |
+ |
-ino |
Mupanda 7
Chivakashure /chi-/
|
Zita Chivakashure chezita |
Dzitsi rezita |
||
|
chikoro |
chi- |
+ |
-koro |
|
chibage |
chi- |
+ |
-bage |
|
chingwa |
chi- |
+ |
-ngwa |
Chivakashure /chi-/ chinoonekwa sa /ch-/ pamadzitsi anotanga nenzvovera. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
chana |
ch- |
+ |
-ana |
|
choto |
ch- |
+ |
-oto |
|
chombo |
ch- |
+ |
-ombo |
|
chura |
ch- |
+ |
-ura |
Chivakashure /chi-/ chinowanikwa pane mamwe madzitsi sa /cha-/. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
chapupu |
cha- |
+ |
-pupu |
|
chapungu |
cha- |
+ |
-pungu |
Mupanda 8
Chivakashure /zvi-/
Unotora mazita omupanda 7 kana ava muuzhinji, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
zvikoro |
zvi- |
+ |
-koro |
|
zvingwa |
zvi- |
+ |
-ngwa |
Chivakashure /zvi-/ chinoonekwa sa /zv-/ pamadzitsi anotanga nenzvovera. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
zvana |
zv- |
+ |
-ana |
|
zvoto |
zv- |
+ |
-oto |
Mupanda 9
Chivakashure /N-/ kana / Ø-/, /i-/
Chivakashure /N-/ hachionekwi pamazita, asi kuti chinouya nokudaidzwa kunoitwa mazita aya ane ruzha runobuda nomumhino, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mombe |
N- |
+ |
-mombe |
|
nyoka |
N- |
+ |
-nyoka |
|
Kana tichishandisa / N-/ pane shanduko inoonekwa pamavara anotanga dzitsi rezita racho; mavara anodaidzwa zvakareruka anenge akora pakudaidzwa asi achibuda nemumhino, sokuti:
Mazita neZvisazitasingwi
Kureva kuti:
|
/p/ |
anoshanduka kuva |
/ mh/ |
|
/b/ /r/ /t/ /k/ |
anoshanduka kuva anoshanduka kuva anoshanduka kuva ichiva |
/mb/ / nd/ /nh/ / h/ |
Mavara ose okurudyi akora pakudaidzwa uye anobuda nemumhino.
Mazita aya ose ari muushoma hwawo.
Pane mamwe mazita emupanda 9 ane chivakashure /Ø-/. Aya ndiwo mazita ekuti kana achidaidzwa ruzha harubudi nemumhino. Hazvigoni kuti titi anomirirwa na /N-/. Mienzaniso yemazita aya ndeinotevera:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
tsoko |
Ø- |
+ |
-tsoko |
|
tsuro |
Ø- |
+ |
-tsuro |
Chivakashure /i-/ chinowanikwa pamazita mashoma. Muenzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
imba |
i- |
+ |
-mba |
|
imbwa |
i- |
+ |
-mbwa |
Mupanda 10
Chivakashure /N-/kana /Ø-/ kana, /dzi-/
Unotora mazita ose emupanda 9 omaisa muuzhinji, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
dzimba |
dzi- |
+ |
-dzimba |
|
nyoka |
N- |
+ |
-nyoka |
|
mhuka |
N- |
+ |
-puka |
|
shoka |
Ø- |
+ |
-shoka |
|
shumba |
Ø- |
+ |
-shumba |
Shanduko muuzhinji inoonekwa pasungawirirano. Mazita ose emumupanda 9 anenge ane sungawirirano /i-/, emupanda 10 anenge ane sungawirirano /dzi-/. Somuenzaniso:
nyoka inoruma (9) nyoka dzinoruma (10) imba inovakwa (9) dzimba dzinovakwa (10) mhuka inokara (9) mhuka dzinokara (10)
Cherechedzo: Tsananguro yechivakashure /N- na / Ø-/ ndiyo imwe chete yapiwa pamupanda 9.
Mupanda 11
Chivakashure /ru-/
Chivakashure/ru-/ chinova /rw-/ pamadzitsi anotanga nenzvovera, sokuti:
|
rw- |
+ |
-ana |
|
rw- |
+ |
-endo |
Chivakasure chemupanda uyu kazhinji chinenge chiri mudanho rechipiri chichitsoropodzi. Sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
rukadzi |
ru- |
+ |
-kadzi |
|
rumbwa |
ru- |
+ |
-mbwa |
|
rutsanga |
ru- |
+ |
-tsanga |
|
rwana |
rw- |
+ |
-ana |
Chine pamwewo pachinoshanda chiri mudanho rekutanga chisingatsoropodzi. Sokuti;
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
rwendo |
rw- |
+ |
-endo |
|
rwenga |
rw- |
+ |
-enga |
|
ruoko |
ru- |
+ |
-oko |
|
rudo |
ru- |
+ |
-do |
Mupanda 12
Chivakashure /ka-/
Kana chiri mudanho rechipiri chinotsanangudza chichipa pfungwa yekusvora kana kudukupisa.
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
kakadzi |
ka- |
+ |
-kadzi |
|
kambwa |
ka- |
+ |
-mbwa |
|
kamombe |
ka- |
+ |
-mombe |
Chivakashure /ka-/ chinowanikwa sa/k-/ kana chichishanda nedzitsi rinotanga nenzvovera. Muenzaniso:
kana k- + -ana
Mupanda 13
Chivakashure /tu-/
Chivakashure ichi chinoisa mazita emupanda 12 muuzhinji asi chiri mudanho repiri chichitsanangudza, chichibudisa pfungwa yekudupuka nekushomeka. Sokuti:
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita tukadzi tu- + -kadzi tumbwa
tu- + -mbwa tumombe
tu- + -mombe
Chivakashure /tu-/ chinova /tw-/ pazita rine dzitsi rinotanga nenzvovera. Muenzaniso:
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita
twana tw- + -ana
Mupanda 14
Chivakashure /u-/
Chivakashure /u-/ chinova /hw-/ pamazita ane dzitsi rinotanga nenzvovera. Mienzaniso:
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita
hwana hw- + -ana hwanana hw- + -anana hwaro hw- + -aro hwenje hw- + -enje
Mazita emupanda uyu anoreva zvinhu zvinobatika nezvisingabatiki.
(i) Zvinobatika
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita
usavi u- + -savi upfu u- + -pfu urimbo u- + -rimbo hwahwa hw- + -ahwa
(ii) Zvisingabatiki
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita
|
unhu upenzi uroyi ushingi |
|
u- u- u- u- |
+ + + + |
-nhu -penzi -royi -shingi |
|
Mupanda 15 |
|
|
|
|
|
Chivakashure |
/ku-/ |
|
|
|
|
Mazita aya zviito. Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
|
kuda kutamba |
ku- ku- |
+ + |
-da -tamba |
|
Mipanda 16, 17, 17a ne18
Mazita emipanda iyi anoreva nzvimbo.
Mupanda 16
Chivakashure /pa-/
Nzvimbo iri pamusoro kana pedyo, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
pagomo |
pa- |
+ |
-gomo |
|
pamunda |
pa- |
+ |
-munda |
|
padanda |
pa- |
+ |
-danda |
Mupanda 17
Chivakashure /ku-/
Mazita emupanda uyu anoreva nzvimbo iri kure, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
kumunda |
ku- |
+ |
-munda |
|
kusvondo |
ku- |
+ |
-svondo |
Mupanda 17a
Chivakashure /Ø-/
Mazita emupanda uyu anoreva nzvimbo iri kure asi asina chivakashure chinoonekwa, saka ane /Ø-/, sokuti:
Zita Chivakashure chezita Dzitsi rezita
mberi Ø- + -mberi
|
mhiri |
Ø- |
+ |
-mhiri |
|
shure |
Ø- |
+ |
-shure |
|
zasi |
Ø- |
+ |
-zasi |
|
Mabvuku |
Ø- |
+ |
-Mabvuku |
|
Chinhoyi |
Ø- |
+ |
-Chinhoyi |
Mupanda 18
Chivakashure /mu-/
Mukati chaimo menzvimbo, sokuti:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
mukanwa |
mu- |
+ |
-kanwa |
|
mumba |
mu- |
+ |
-mba |
|
mundiro |
mu- |
+ |
-ndiro |
Mupanda 19
Chivakashure /svi-/
Chivakashure ichi chinoonekwa sa/sv-/ pamadzitsi anotanga nenzvovera. Chivakashure chemupanda uyu ndechedanho repiri chichibudisa pfungwa yekudupuka. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
svikadzi |
svi- |
+ |
-kadzi |
|
svisadza |
svi- |
+ |
-sadza |
|
svana |
sv- |
+ |
-ana |
Mupanda 21
Chivakashure /zi-/
Mazita emupanda uyu ari muushoma uye ari mudanho rechipiri. Anobudisa pfungwa yekukura. Mienzaniso:
|
Zita |
Chivakashure chezita |
|
Dzitsi rezita |
|
zijaya |
zi- |
+ |
-jaya |
|
zigadzi |
zi- |
+ |
-kadzi |
|
zigotsi |
zi- |
+ |
-kotsi |
|
zigumbo |
zi- |
+ |
-kumbo |
Nzira dzekuisa mazita mumipanda
Kune nzira dzinoshandiswa kuisa mazita mumipanda yakasiyana.
(a) Zvivakashure zvakafanana
Kazhinji mazita ane zvivakashure zvakafanana anopinda mumupanda mumwe chete. Sokuti:
|
mu- + -kadzi (1) |
mu- + -sikana (1) |
mu- + -nhu (1) |
|
chi- + -ngwa (7) |
chi- + -koro (7) |
chi- + -bagwe (7) |
(b) Zvaanoreva zvakafanana
Mazita anoreva zvakafanana anopinda mumupanda mumwe chete, sokuti:
musikana(1) (kureva munhu mumwe)
murume (1) (kureva munhu mumwe)
Kunyangwe mazita akaita zvivakashure zvakafanana, kana asingarevi zvakafanana haapindi mumupanda mumwe chete, sokuti: musikana (1) (kureva munhu) mumba(18) ( kureva nzvimbo)
(c) Sungano youshoma nouwandu yakafanana
Uku ndiko kudondana kwemipanda yemazita anomirira zvishoma neanomirira zvizhinji.
Kazhinji mazita akange ari muushoma anopinda mumupanda mumwe chete, kana ava muuzhinji onopinda mumupanda unotevera wacho, sokuti:
mukadzi (1) vakadzi (2)
muti (3) miti (4)
chikoro (7) zvikoro (8)
(d) Sungawirirano yakafanana
Uku kuwirirana kwezita nemamwe mazwi arinoshanda nawo muchirevo. Sungawirirano inodondana nemazwi ari kushandiswa.
Sungawirirano yemazita emupanda 1 ndi /a-/, sokuti: Mukadzi uyu anoba.
Mwana uya afa.
Mukomana kana musikana anochema akapusa.
Sungawirirano yomupanda 2 ndi/va-/
Vanhu vanokara nyama.
Mupanda 7 /ch-/ na /chi-/
Chikosoro chisingaperi chakabvepiko ichi?
Chisazitasingwi
Chinotsiva zita, kureva kuti chinoshanda panzvimbo yezita. Chinogona kushanda pamwe chete nezita kusimbisa pfungwa iri kutaurwa yacho.
Mienzaniso:
Zita: Tichafara aenda kumba. Chisazitasingwi: Iye aenda kumba.
Zita: Zvikoro zvavharwa.
Zita nechisazitasingwi: Izvo zvikoro zvavharwa.
Mhando dzezvisazitasingwi
(i) Zvisazitasingwi zvevanhu
Zvinoshanda nemazita anomirira vanhu. Izvi ndezvinoti:
|
|
Ushoma |
Uzhinji |
|
|
(a) |
Munhu wekutanga |
ini |
isu |
|
(b) |
Munhu wechipiri |
iwe |
imi |
|
(c) |
Munhu wechitatu |
iye |
ivo |
Cherechedzo: Uzhinji hwechisazitasingwi chemunhu wechitatu, ivo, hwunopinda pazvisazitasingwi zvemipanda pamavakirwo ndiko saka tisina kuhuisa pamhando yezvisazitasingwi zvavanhu. Mamwe mazita emupanda 1a ane chisazitasingwi iye asi mamwe ane chisazitasingwi ivo. Sokuti iye Tarisai, ivo baba. Chisazitasingwi ivo chemazita emupanda 1 ane zvisazitasingwi zvevanhu. Sokuti: Iye munhu. Ini mwana. Iwe musikana.
Maumbirwo ezvisazitasingwi zvavanhu
|
Nzvovera yokutsigisa/chitsigisi |
+ |
chiratidzamunhu |
|
i- |
+ |
-ni |
|
i- |
+ |
-we |
(ii) Zvisazitasingwi zvemupanda
Izvi ndizvo zvinomirira mimwe mipanda yose:
|
Mupanda |
Zita |
Chisazitasingwi |
|
2 |
vadzidzisi |
ivo |
|
2a |
vasahwira |
ivo |
|
2b |
mai |
ivo |
|
3 |
munda |
iwo |
|
4 |
minda |
iyo |
|
5 |
ganda |
iro |
|
6 |
makanda |
iwo |
|
7 |
chana |
icho |
|
8 |
zvana |
izvo |
|
9 |
mhashu |
iyo |
|
10 |
mhashu |
idzo |
|
11 |
rwiyo |
irwo |
|
12 |
kaimba |
iko |
|
13 |
twudzimba |
itwo |
|
14 |
ukuru |
ihwo |
|
15 |
kukura |
iko |
|
16 |
pamhanza |
ipo |
|
17 |
kuHurungwe |
iko |
|
17a |
mhiri |
iko |
|
18 |
mumusoro |
imo |
|
19 |
svimunhu |
isvo |
|
21 |
zishiri |
iro |
Maumbirwo ezvisazitasingwi zvemupanda
Nzvovera yokutsigisa /chitsigisi + chiratidzamupanda/uwandu + nzvovera /-o/
i- + -dz- + -o i- + - rw- + -o
What's Your Reaction?