MATAURIRO EDU
MATAURIRO EDU
-
Pamusha pakazvarwa mwana vanhu vanoenda vachisvikoti -----------

Kana vanhu vachisvika pafiwa vanoti________________

SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA
SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA
IPA MAZITA EVANHU VAKATSANANGURWA PAZASI

Munhu anobatsira vanaamai pakusununguka vana.

Munhu akura asi achitaridzika seachiri mudiki.

Nyanzvi yekuumba hari. A.hombarume. B.godobori. C.nyanduri D.mhizha

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO IRI PAZASI
Ambuya vaZivai vakafara zvikuru pavakatsikwa nemukwasha wavo.Vakabva vamuuraira zijongwe ndookunyatsa kurikanga kusvikira rati rukuti kuibva.Iyewo zivai akafara kwazvo,akadya sadza zvakatsamwisa huku dzaiva panze.Akazofunga zvekufamba famba achinyatsoseredzera.Mukufamba uku akazotengerawo ambuya vake zvinhu zvaiti ;zvingwa zviviri,pakiti retsvigiri,bhodhoro remukaka mumbishi,mazai gumi nemaviri nemabhdhoro mashanu ezvinwiwa.Vachiona izvi ambuya vakafara kwazvo ndookuti Zvichanzii atambire babamukuru vake.Vambuya vakauchira iye mukwasha ndookunyemwerera.Semunhu akanga amwiramwira akanga ava kuda kundozorora.Chiriporipocho akabva aenda kunorara.

Mukwasha akadya sadza nei?
Mukwasha akadya sadza nei?
-
Mukaka wakatengwa naZivai wakanga usina kukora nekuti mundima zvanzi wakanga uri__________________

Nyaudzosingwi inorakidza kuti nyama yehuku yakanga yakaibvisa ndi___________________

”Semunhu akange amwira mwira”,zvinoreva kuti Zivai akange___________

Nderipi izwi riri mundima rinoreva kuita chinhu nekukasika.

IPA TSUMO INODUDZIRA TSANANGUDZO DZIRI PAZASI

Munhu anobatsira uyo anombomubatsirawo.
Munhu anobatsira uyo anombomubatsirawo.
-
Munhu mukuru anofanira kuzvininipisa kuitira kuti vadiki vagomuremekedza.

IPA DUDZIRO DZEMADIMIKIRA ARI PAZASI.
IPA DUDZIRO DZEMADIMIKIRA ARI PAZASI.
-
Kurimirana kumuganhu
Kurimirana kumuganhu
-
Kurebesa muswe segonzo.
Kurebesa muswe segonzo.
-
Amira negumbo rimwe.
Amira negumbo rimwe.
VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO IRI PAZASI
Tete munhu anokosha zvikuru mumhuri yega yega.Munhu ane masimba anogona kupfuura emunhurume pakugadzira magariro emumumhuri.Tete ndiye munhu anoona kuti vanasikana vehanzvadzi dzavo vakura zvakanaka.Tete vanodzidzisa vazukurusikana vavo kuita hunhu nekugara zvakanaka.Ivo vanasikana kana vasvika pazera rekuda kuwanikwa vanotanga kuzivisa tete.Tete vanozoda kuona mukomana ari kufambidzana nemuzukuru wavo.Tete ava vanenge vachida kuziva mhuri inobva mukomana wemuzukuru wavo uye mutupo wake.Izvi vanozviita nekuti pachivanhu chedu hazviite kuti vanhu vane ukama varoorane.Vanhu vane ukama vakaroorana panonzi paitwa makunakuna nekudaro mvura haizonaya.Kana zvichinge zvamanikidzira kuti vanhu vane ukama varoorane paizobviswa mombe yechekaukama.Mombe iyi inenge iri chena isina kana vara.Tete vanoedza nepose pavanogona kudzidzisa vazukuru vavo vasati vasangana nematambudziko.

Ndiani anzi munhu akakosha mumhuri?
Ndiani anzi munhu akakosha mumhuri?
-
Mwana wehanzvadzi yako unomuti chii?
Mwana wehanzvadzi yako unomuti chii?
-
Mumhuri tete vanonyanya kuona nezvei?
Mumhuri tete vanonyanya kuona nezvei?
-
Mwanasikana kana akura ave kuda kuwanikwa anotanga kuzivisa ani?

Chii chinoitika kana paitwa makunakuna.
Chii chinoitika kana paitwa makunakuna.
-
Mombe yechekaukama ndeyerudzii?
Mombe yechekaukama ndeyerudzii?
-
Ndeupi wakakodzera kuva musoro wenyaya?
Ndeupi wakakodzera kuva musoro wenyaya?
ZADZISA NENYAUDZOSINGWI
ZADZISA NENYAUDZOSINGWI
-
Paakanzwa nezverufu rwababa vake Marwei akabva ati misodzi___________

Hutsi hwakati nepamusoro pemba ____________
Hutsi hwakati nepamusoro pemba ____________
VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO IRI PAZASI
Nyaya yekushandisa pfungwa nemaoko yakabatsira kwazvo kumumhuri yekwaMhungu.Murume uyu aive murombo aitozezwa nekukumbira.Rimwe gore akafunga zvekurima bindu.Akaenda nevakomana vake vaviri pedyo nerwizi rwainzi Kaerezi.Vakaona chidzere chaiva neivhu rakanaka chose ndokubva vatanga kuita mihomba.Mushure mezvo vakatema masanzu nemapango zvekuvakisa bindu kuitira kuti mombe nembudzi zvisapinde.
Vakashanda semajuru chaiwo nekuti vose vaive nepfungwa yekudzinga nhamo mumusha mavo.Vanhu vakazongoona pachidzere pava nebindu raiva nehanyanisi,madomasi nemiriwo yakasiyana siyana.
Vanakoma vaVaMhungu,Solomon naJairosi vakaramba vakashinga nekudiridza zvirimwa zvavo.Chokwadi patema badza hapanyepi,zvirimwa zvakasvika pakuibva.VaMhungu ndivo vaifamba nebhizautare ravo vachitengesa.Vaitengesa muzvitoro,zvikoro uye chipatara chaive pedyo navo.Izvi zvakaita kuti mhuri ibudirire.
SARUDZA MHIDURO YAKAKODZERA

Mhuri yataurwa mundima yaiva yokwa______

Mhuri yekwaMhungu yaizezwa nekuda kwei?
Mhuri yekwaMhungu yaizezwa nekuda kwei?
-
Sei VaMhungu nevanakomana vavo vakavakirira bindu ravo?

Bindu raVaMhungu raiva pai?
Bindu raVaMhungu raiva pai?
-
Kushanda kwemhuri yaVaMhungu kwakafananidzwa nekushanda kwei?

Ndiani aifamba achitengesa zvirimwa?
Ndiani aifamba achitengesa zvirimwa?
-
Ndezvipi zvakazoita kuti mhuri iyi ibudirire?

Zvirimwa zvingani zvairimwa neMhuri yekwaMhungu?

Zvirimwa izvi zvaitengeserwa kupi?
Zvirimwa izvi zvaitengeserwa kupi?
ISA MAZWI AKANYORWA NEMAVARA MAHOME MUUZHINJI.

TSVAGA IZWI RINOREVA ZVAKAFANANA NERAKAPIWA